Ruambandanga
Mataridziko
Ruambandanga (Chirungu: Psychology) kana Unenandanga mashoko ari kushandiswa kuturikira chinonzi hufundo hwezvendanga. Ruambandanga chidzidzo chitarira zvepfungwa uye maitiro evanhu. Chidzidzo ichi chinotsvaka kunzwisisa munhu ari ega, munhu pakati pevamwe uye mapoka evanhu chichishandisa zvirevo zvakatarwa uye mhaka dzakadudzika. Ana chinenandanga vanoedza kunzwisisa mashandiro emurangariro wemunhu uye maitiro ake pakati penzanga yevanhu. Panguva imwe vanenge vachiedza kubatanidza zviri kuitika mumuviri uye tsandura dzeruambamhenyu dzinobata mashandisirwo eruzivo nemaitiro emunhu.
Kupiwa kweZita
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Chivakashure ruamba chiri kushandiswa kuturikira chivakamberi logy chinowanikwa kuEnglish mumazwi anodudza zvidzidzo zvnoti: biology, geology, physiology etc.
- Chivakamberi cheEnglish chekuti -logy chinoreva a speaking, discourse, treatise, doctrine, theory, science.
- Psychologist rinenge roturikirwa kunzi chiambandanga.
- Psychiatrist rinenge roturikirwa kunzi chiomborandanga. Tarisai chikamu chemitauro yeBantu pachinyorwa chinonzi chihombori.